John 7:23 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino kana munhu aŋgadziŋgiswa nesaɓata, kuti murairo waMosesi urege kuputswa, ko imi monditsamŋira nokuti ndakaporesa munhu wose nesaɓata here?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvino kana mwana achigona kudzingiswa nomusi weSabata kuti murayiro waMozisi urege kuputswa, seiko muchinditsamwira nokuda kwokuti ndaporesa munhu nomusi weSabata?
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Kana muchidzingisa munhu nezuva reSabata muchiitira kuti mutemo waMosesi urege kutyorwa. Ko zvino munoshatirirwei kana ndakaporesa munhu zvokupedzeredza pamusi weSabata?
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Zvino kana munhu angadzingiswa neSabata, kuti murayiro waMosesi urege kutyorwa, ko imi monditsamwira nokuti ndakaporesa munhu wose neSabata here?
Shona 2009?
Zvino kana munhu akagamuchira dzingiso nesabata, kuti murairo waMozisi urege kuputswa, ko imwi monditsamwira nokuti ndaporesa munhu zvakakwana nemusi wesabata here?
Shona SUB 2002 Bible
“Zvino kana munhu angadzingiswa neSabata, kuti murairo waMosesi urege kutyorwa, ko imi monditsamwira nokuti ndakaporesa munhu wose neSabata here?