John 7:31 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asi ʋamŋe ʋazhinji ʋakatenda kwaari, ʋakati: Kana Kristu acizoȿika, uŋgaita ɀiratidzo ɀizhinji kuneɀiɀi ɀakaitwa noyuyu here?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Kunyange zvakadaro, vazhinji pakati pavanhu vakatenda kwaari. Vakati, “Kristu paanouya, achaita zviratidzo zvizhinji kupfuura murume uyu here?”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Zvakadaro zvazvo vanhu vazhinji vakatenda maari vachiti, “Ko iye Kristu kana azouya, achaita zviratidzo zvakawanda kupfuura zvakaitwa nomunhu uyu here?”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Asi vamwe vazhinji vakatenda kwaari, vakati, “Kana Kristu achizosvika, angaita zviratidzo zvizhinji kunezvizvi zvakaitwa nouyu here?”
Shona 2009?
Asi vazhinji vechaunga vakatenda kwaari, vakati: Kana Kristu achizosvika, ungaita zvishamiso zvizhinji kunezvizvi zvakaitwa nouyu here.
Shona SUB 2002 Bible
Asi vamwe vazhinji vakatenda kwaari, vakati, “Kana Kristu achizosvika, angaita zviratidzo zvizhinji kunezvizvi zvakaitwa nouyu here?”