John 7:32 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino ʋaFarise ʋakanzwa ʋanhu ʋazhinji ʋaciŋuŋuna iɀoɀo pamsoro pake; ʋaprista ʋakuru naʋaFarise ʋakatuma ʋatariri kundomuɓata.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
VaFarisi vakanzwa vanhu vazhinji vachiita zevezeve rezvinhu zvakadai pamusoro pake. Ipapo vaprista vakuru navaFarisi vakatuma varindi vomutemberi kuti vandomusunga.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
VaFarisei vakanzwa zevezeve raiitwa navanhu nezvake. Naizvozvo vapristi vakuru navaFarisei, vakatuma mapurisa apaTemberi kundomusunga.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino vaFarisi vakanzwa vanhu vazhinji vachigun'un'una izvozvo pamusoro pake; vapristi vakuru navaFarisi vakatuma mapurisa kundomubata.
Shona 2009?
Zvino vaFarisi vakanzwa vanhu vazhinji vachin'un'una zvinhu zvakadaro pamusoro pake; vaprista vakuru navaFarisi vakatuma vatariri kundomubata.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino VaFarisi vakanzwa vanhu vazhinji vachigun'un'una izvozvo pamusoro pake; vapristi vakuru navaFarisi vakatuma mapurisa kundomubata.