John 7:37 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino nezuʋa rokupedzisira, zuʋa guru romutambo, Jesu wakamira, akaɗanidzira, akati: Aninani, kana anenyota, ŋgaaʋuye kwandiri, anwe.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Pazuva rokupedzisira uye zuva guru roMutambo, Jesu akasimuka akadanidzira nenzwi guru achiti, “Kana pane munhu ane nyota, ngaauye kwandiri azonwa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Pazuva rokupedzisa ramazuva makuru aya zuva racho rakanga riri guru kupinda ose zvawo Jesu akasimuka akaparidza achiti, “Aninani ane nyota ngaauye kwandiri anwe.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino nezuva rokupedzisira, zuva guru romutambo, Jesu akamira, akadanidzira, akati, “Ani naani, kana ane nyota, ngaauye kwandiri, anwe.
Shona 2009?
Zvino nezuva rokupedzisira, guru romutambo, Jesu wakasimuka, akadanidzira, akati: Kana aninani anenyota, ngaauye kwandiri, amwe.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino nezuva rokupedzisira, zuva guru romutambo, Jesu akamira, akadanidzira, akati, “Ani naani, kana ane nyota, ngaauye kwandiri, anwe.