John 7:4 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti hakunomunhu unoita cinhu cinyararire, kana iye amene aciɗa kuzikanwa; kana iwe uciita iɀi, uɀiratidze kunyika.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Hakuna munhu anoda kuva nomukurumbira anoita zvinhu zvake muchivande. Sezvo muchiita zvinhu izvi, chizviratidzai imi kunyika.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Nokuti hapana munhu anoita zvomuchivande kana achida kunyatsozivikanwa. Kana muchitoita mabasa akadai zviratidzei kunyika.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nokuti hakuna munhu anoita chinhu chinyararire, kana iye amene achida kuzikanwa; kana iwe uchiita izvi, uzviratidze kunyika.”
Shona 2009?
Nokuti hakuna munhu unoita chinhu muchivande, kana iye amene achitsvaka kuzikamwa pachena. Kana iwe uchiita zvinhu izvi, zviratidze kunyika.
Shona SUB 2002 Bible
Nokuti hakuna munhu anoita chinhu chinyararire, kana iye amene achida kuzikanwa; kana iwe uchiita izvi, uzviratidze kunyika.”