John 7:52 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋakapindura, ʋakati kwaari: Ko newe ʋo uri weGarirea here? Nɀera, uʋone kuti hakunomuprofita, unobva Garirea.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vakapindura vakati, “Newewo uri weGarireasu? Nzvera, uye uchaona kuti hakuna muprofita anobva kuGarirea.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ivo vakapindura vachiti, “Asi newewo unobva kuGarirea su? Tsvagaka uone zvako kuti hakuna muporofita anobva kuGarirea.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Vakapindura, vakati kwaari, “Ko newewo uri weGariria here? Nzvera, uone kuti hakuna muporofita, anobva Gariria.” [
Shona 2009?
Vakapindura vakati kwaari: Ko newevo uri weGariri here? Nzvera, uvone kuti hakuna kumuka muporofita, unobva Gariri.
Shona SUB 2002 Bible
Vakapindura, vakati kwaari, “Ko newewo uri weGareriya here? Nzvera, uone kuti hakuna muporofita, anobva Gareriya.” [