John 8:14 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Jesu akapindura, akati kwaʋari: Kunyaŋge ndiciɀipupurira, kupupura kwaŋgu ndokwaɀokwaɗi; nokuti ndinoziʋa kwandakabva, nokwandinoenda; asi imi hamuziʋi kwandakabva, nokwandinoenda.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Jesu akapindura akati, “Kunyange dai ndikazvipupurira pachangu, uchapupu hwangu ndohwechokwadi, nokuti ndinoziva kwandakabva uye nokwandinoenda. Asi imi hamuzivi kwandinobva kana kwandinoenda.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Jesu akapindura achiti, “Kunyange zvangu ndichizvipupurira, kuzvipupurira kwangu ndekwechokwadi nokuti ndinoziva kwandinobva uye kwandinoenda, asi imi hamuzive kwandinobva uye kwandinoenda.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Jesu akapindura, akati kwavari, “Kunyange ndichizvipupurira, kupupura kwangu ndokwechokwadi; nokuti ndinoziva kwandakabva, nokwandinoenda; asi imi hamuzivi kwandakabva, nokwandinoenda.
Shona 2009?
Jesu akapindura akati kwavari: Kunyange ndichizvipupurira, kupupura kwangu ndokwechokwadi; nokuti ndinoziva kwandakabva, nokwandinoenda; asi imwi hamuzivi kwandakabva, nokwandinoenda.
Shona SUB 2002 Bible
Jesu akapindura, akati kwavari, “Kunyangwe ndichizvipupurira, kupupura kwangu ndokwechokwadi; nokuti ndinoziva kwandakabva, nokwandinoenda; asi imi hamuzivi kwandakabva, nokwandinoenda.