John 8:16 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asi kunyaŋge ndicitoŋga, kutoŋga kwaŋgu ndokwaɀokwaɗi; nokuti handizi ndoga, asi ini naƂaɓa ʋakandituma.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi kana ndikatonga, kutonga kwangu kwakarurama, nokuti handizi ndoga. Ndinotonga naBaba, vakandituma.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Kunyange dai ndaitonga zvangu, kutonga kwangu ndekwechokwadi nokuti handitongi nokwangu ndoga, asi pamwechete naiye wakandituma.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Asi kunyange ndichitonga, kutonga kwangu ndokwechokwadi; nokuti handisi ndoga, asi ini nababa vakandituma.
Shona 2009?
Asi kunyange ndichitonga, kutonga kwangu ndokwechokwadi; nokuti handizi ndoga, asi ini naBaba vakandituma.
Shona SUB 2002 Bible
Asi kunyangwe ndichitonga, kutonga kwangu ndokwechokwadi; nokuti handisi ndoga, asi ini naBaba vakandituma.