John 8:19 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino ʋakati kwaari: Ƃaɓa ʋako ʋaripiko? Jesu akapindura, akati: Hamundiziʋi ini, kunyaŋge naƂaɓa ʋaŋgu ʋo; ɗai maindiziʋa ini, maiziʋa ʋo naƂaɓa ʋaŋgu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo vakamubvunza vakati, “Baba vako varipiko?” Jesu akapindura akati, “Hamundizivi ini kana Baba vangu. Dai maindiziva mungadai maizivawo Baba vangu.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vakati kwaari, “Ivo Baba vako varipiko?” Jesu akavapindura achiti, “Hamundizivi uye hamuzivi Baba vangu. Dai maindiziva mazivawo Baba vangu.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino vakati kwaari, “Baba vako varipiko?” Jesu akapindura, akati, “Hamundizivi ini, kunyange nababa vanguo; dai maindiziva ini, maizivawo nababa vangu.”
Shona 2009?
Zvino ivo vakati kwaari: Baba vako varipiko? Jesu akapindura, \add akati\add*: Hamundizivi ini, kunyange naBaba vanguvo; dai maindiziva ini, mungadai maizivavo naBaba vangu.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino vakati kwaari, “Baba vako varipiko?” Jesu akapindura, akati, “Hamundizivi ini, kunyangwe naBaba vanguo; dai maindiziva ini, maizivawo naBaba vangu.”