John 8:20 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Wakataura mashoko awa paciʋigiro cemari acidzidzisa mutembere; kwakaŋga kusinomunhu wakamuɓata, nokuti ŋguʋa yake yakaŋga isati yaȿika.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Akataura mashoko aya paakanga achidzidzisa ari mutemberi pedyo nenzvimbo yaiiswa zvipo. Asi hapana munhu akamubata, nokuti nguva yake yakanga isati yasvika.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mazwi aya akaataura ari nechekwaichengeterwa mari achidzidzisa ari muTemberi. Asi hapana akamusunga nokuti nguva yake yakanga isati yasvika.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Akataura mashoko awa paichengeterwa mari achidzidzisa mutemberi; kwakanga kusina munhu akamubata, nokuti nguva yake yakanga isati yasvika.
Shona 2009?
Jesu wakataura mashoko awa paimba yezvipo achidzidzisa mutembere; asi hakuna munhu wakaisa ruvoko kwaari, nokuti nguva yake yakanga isati yasvika.
Shona SUB 2002 Bible
Akataura mashoko awa paichengeterwa mari achidzidzisa mutemberi; kwakanga kusina munhu akamubata, nokuti nguva yake yakanga isati yasvika.