John 8:21 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino wakati ɀe kwaʋari: Ndinoenda, mucanditȿaka, mukafira muɀiʋi ɀenyu; pandinoenda, imi hamuŋgaʋuyi’po.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Jesu akatizve kwavari, “Ndiri kuenda, uye imi muchanditsvaka, uye muchafira muzvivi zvenyu. Kwandinoenda, imi hamungauyiko.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Akatizve, “Ndava kuenda, imi muchanditsvaka asi muchafira muzvitadzo zvenyu. Kwandiri kuenda, imi hamukwanisi kuuyako.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino akatizve kwavari, “Ndinoenda, muchanditsvaka, mukafira muzvivi zvenyu; pandinoenda, imi hamungauyipo.”
Shona 2009?
Naizvozvo Jesu wakatizve kwavari: Ndinoenda, uye muchanditsvaka, mukafira muzvivi zvenyu; pandinoenda, imwi hamungavuyipo.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino akatizve kwavari, “Ndinoenda, muchanditsvaka, mukafira muzvivi zvenyu; pandinoenda, imi hamungauyipo.”