John 8:25 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino ʋakati kwaari: Iwe ndiwe aniko? Jesu akati kwaʋari: Iɀo ɀandinoŋgoramba ndicikuʋudzai kubva pakutaŋga.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vakati kwaari, “Ndiwe aniko?” Jesu akapindura akati, “Izvozvo zvandanguri ndataura kare kuti ndini iye.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vakati kwaari, “Iwe ndiwe ani iwe?” Jesu akati kwavari, “Handiti ndizvo zvandambokutaurirai pakutanga.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino vakati kwaari, “Iwe ndiwe aniko?” Jesu akati kwavari, “Izvo zvandinongoramba ndichikuudzai kubva pakutanga.
Shona 2009?
Zvino vakati kwaari: Iwe ndiwe aniko? Jesu akati kwavari: Ndizvo zvandagara ndichikuvudzai kubva pakutanga.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino vakati kwaari, “Iwe ndiwe aniko?” Jesu akati kwavari, “Izvo zvandinongoramba ndichikuudzai kubva pakutanga.