John 8:26 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ndineɀizhinji ɀandinoɗa kureʋa nokutoŋga pamsoro penyu; asi wakandituma ndowaɀokwaɗi; iɀo ɀandakanzwa kwaari, ndiɀo ɀandinoʋudza nyika.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ndine zvizhinji zvandinoda kutonga pamusoro penyu. Asi uyo akandituma akavimbika, uye zvandakanzwa kwaari ndizvo zvandinoudza nyika.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ndine zvizhinji zvandingataure nezvenyu, uye ndine zvakawanda zvandingakupei mhosva nazvo. Asi iye akandituma ari pachokwadi saka ndinoparidza pasi pose zvandakanzwa kwaari.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ndine zvizhinji zvandinoda kureva nokutonga pamusoro penyu; asi akandituma ndowechokwadi; izvo zvandakanzwa kwaari, ndizvo zvandinoudza nyika.”
Shona 2009?
Ndine zvinhu zvizhinji zvokutaura nokutonga pamusoro penyu; asi uyo wakandituma ndowechokwadi; izvo zvandakanzwa kwaari, ndizvo zvandinotaura kunyika.
Shona SUB 2002 Bible
Ndine zvizhinji zvandinoda kureva nokutonga pamusoro penyu; asi akandituma ndowechokwadi; izvo zvandakanzwa kwaari, ndizvo zvandinoudza nyika.”