John 8:3 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋanyori naʋaFarise ʋakaʋuya kwaari nomukadzi wakaŋga aɓatwa acifeʋa ʋakamuisa pakati paʋo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vadzidzisi vomurayiro navaFarisi vakapinda nomukadzi akanga abatwa achiita upombwe. Vakamuita kuti amire pamberi peboka
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Nyanzvi dzomutemo navaFarisei vakauya kwaari nomukadzi akanga abatwa achiita upombwe. Vakamumisa pakati vakati kuna Jesu,
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Vanyori navaFarisi vakauya kwaari nomukadzi akanga abatwa achipfeva vakamuisa pakati pavo.
Shona 2009?
Zvino vanyori navaFarisi vakamuvigira mukadzi wakabatwa achifeva, vakamugadzika pakati pavo.
Shona SUB 2002 Bible
Vanyori naVaFarisi vakauya kwaari nomukadzi akanga abatwa achifeva vakamuisa pakati pavo.