John 8:33 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋakamupindura, ʋakati: Tiri ʋorudzi rwaAbrahama isu, hatina‐kutoŋgoʋa ʋaranda ʋomunhu; ɀino iwe uŋgareʋa seiko kuti mucasunuŋgurwa?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ivo vakamupindura vachiti, “Isu tiri zvizvarwa zvaAbhurahama uye hatina kumbova varanda vomumwe munhu. Ungareva sei kuti tichasunungurwa?”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vakamupindura vachiti, “Isu tiri zvizvarwa zvaAbhurahamu hatisati tambova varanda vomumwe munhu. Zvino ungagotaura sei uchiti muchawana rusununguko?”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Vakamupindura, vakati, “Tiri vorudzi rwaAbhurahamu isu, hatina kutongova varanda vomunhu; zvino iwe ungareva seiko kuti, ‘Muchasunungurwa?’ ”
Shona 2009?
Vakamupindura, \add vakati\add*: Tiri zvizvarwa zvaAbhurahamu isu, hatina kutongova varanda vomunhu chero nguva ipi zvayo; zvino iwe ungareva seiko \add kuti\add* muchasunungurwa?
Shona SUB 2002 Bible
Vakamupindura, vakati, “Tiri vorudzi rwaAbhurahamu isu, hatina kutongova varanda vomunhu; zvino iwe ungareva seiko kuti, ‘Muchasunungurwa?’ ”