John 8:41 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Imi munoita maɓasa aɓaɓa ʋenyu. Ʋakati kwaari: Hatina‐kuɓerekwa noʋupombge; tinaƂaɓa ʋamŋe, iye Mŋari.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Muri kuita zvinhu zvinoitwa nababa venyu.” Vakapindura vakati, “Isu hatisi vana vakaberekwa muupombwe. Baba vatinavo isu ndiye Mwari bedzi.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Imi munoita zvinoitwa nababa venyu.” Ivo vakati kwaari, “Isu hatisi vana vomusango. Tina Baba mumwechete, iye Mwari pachake.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Imi munoita mabasa ababa venyu.” Vakati kwaari, “Hatina kuberekwa noupombwe; tina baba vamwechete, iye Mwari.”
Shona 2009?
Imwi munoita mabasa ababa venyu. Zvino ivo vakati kwaari: Hatina kuberekwa novupombwe; tina baba vamwe, Mwari.
Shona SUB 2002 Bible
Imi munoita mabasa ababa venyu.” Vakati kwaari, “Hatina kuberekwa noupombwe; tina Baba vamwechete, iye Mwari.”