John 8:42 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Jesu akati kwaʋari: Ƌai Mŋari aiʋa Ƃaɓa ʋenyu, maindiɗa ini; nokuti Ndakaɓuɗa, ndikabva kunaMŋari. Nokuti handina‐kuɀiʋuyira ini ndimene, asi ndiye wakandituma.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Jesu akati kwavari, “Dai Mwari aiva Baba venyu, mungadai maindida, nokuti ndakabva kuna Mwari uye iye zvino ndiri pano. Handina kungouya pachangu; asi ndivo vakandituma.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Jesu wakavati, “Dai Mwari ari Baba venyu mungadai muchindida nokuti Mwari ndiye dzinde rokwandinobva. Handina kungouyawo zvomusoro wangu asi iye ndiye akandituma.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Jesu akati kwavari, “Dai Mwari aiva baba venyu, maindida ini; nokuti ndakabuda, ndikabva kuna Mwari. Nokuti handina kuuya nokuda kwangu ini, asi ndiye akandituma.
Shona 2009?
Jesu akati kwavari: Dai Mwari aiva baba venyu, maindida; nokuti ini ndakabuda, ndikabva kunaMwari. Nokuti handinavo kuzvivuyira, asi ndiye wakandituma.
Shona SUB 2002 Bible
Jesu akati kwavari, “Dai Mwari aiva Baba venyu, maindida ini; nokuti ndakabuda, ndikabva kuna Mwari. Nokuti handina kuuya nokuda kwangu ini, asi ndiye akandituma.