John 8:44 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Imi muri ʋaɓaɓa ʋenyu Diaborosi, munoɗa kuita kuɗa kwakaipa kwaɓaɓa ʋenyu. Iye wakaŋga ari muʋurayi kubva pakutaŋga; haamiri muɀokwaɗi, nokuti maari hamuneɀokwaɗi. Kana acireʋa nhema, unoreʋa ɀake, nokuti ndiye wenhema, ʋuye ɓaɓa ʋadzo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Imi muri vababa venyu, diabhori, uye munoda kuita kuda kwababa venyu. Akanga ari muurayi kubva pakutanga, haamiri muzvokwadi, nokuti maari hamuna zvokwadi. Kana achireva nhema, ndiwo mutauro wokwake iwoyo, nokuti ndiye murevi wenhema uye Baba vadzo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Imi muri vana vababa venyu Dhiabhori uye chamakasarudza, kuita zvinodiwa nababa venyu. Iye akanga ari mhondi kubvira pakutanga, uye haanei nechokwadi nokuti maari hamuna chokwadi. Kana achireva nhema, ari kutotaura maererano nezvaari nokuti iye munyepi uye ndibaba wamanyepo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Imi muri vababa venyu Dhiabhori, munoda kuita kuda kwakaipa kwababa venyu. Iye akanga ari muurayi kubva pakutanga; haamiri muchokwadi, nokuti maari hamuna chokwadi. Kana achireva nhema, anoreva zvake, nokuti ndiye wenhema, uye baba vadzo.
Shona 2009?
Imwi muri vababa \add venyu\add* Dhiabhorosi munoda kuita zvido zvababa venyu. Iye wakanga ari muvurai kubva pakutanga, asingagari muchokwadi, nokuti maari hamuna chokwadi. Kana achireva nhema, unoreva zvemusoro wake nokuti ndiye murevi wenhema uye baba vadzo.
Shona SUB 2002 Bible
Imi muri vababa venyu Dhiabhori, munoda kuita kuda kwakaipa kwababa venyu. Iye akanga ari muurayi kubva pakutanga; haamiri muchokwadi, nokuti maari hamuna chokwadi. Kana achireva nhema, anoreva zvake, nokuti ndiye wenhema, uye baba vadzo.