John 8:5 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino Mosesi wakatiraira pamurairo kuti ʋakadzi ʋakaɗaro ʋatakwe namabge; ɀino imi munoti kuɗiniko?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
MuMurayiro Mozisi akatirayira kuti titake namabwe vakadzi vakadai. Zvino imi munoti kudii?”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Zvino muMutemo, Mosesi akati tinofanira kutaka namabwe munhu akadai. Zvino imi munoti kudii naye?”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Zvino Mosesi akatirayira mumurayiro kuti vakadzi vakadaro vatakwe namabwe; zvino imi munoti kudiniko?”
Shona 2009?
Zvino Mozisi pamurairo wakatiraira kuti vakadaro vatakwe namabwe; zvino imwi munoti kudiniko?
Shona SUB 2002 Bible
“Zvino Mosesi akatirayira mumurairo kuti vakadzi vakadaro vatakwe namabwe; zvino imi munoti kudiniko?”