John 8:52 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
ƲaJuda ʋakati kwaari: Tinoziʋa ɀino kuti unomŋeya wakaipa; Abrahama wakafa, naʋaprofita ʋo; ɀino iwe unoti: Kana munhu akaceŋgeta shoko raŋgu, haaŋgatoŋgoʋoni rufu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo vaJudha vakati kwaari, “Tinoziva zvino kuti une dhimoni iwe! Abhurahama akafa navaprofita vakafawo, asi iwe unoti kana munhu akachengeta shoko rako, haangatongoraviri rufu.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
VaJudha vakati kwaari, “Zvino tava kuziva kuti une mweya wakaipa Abhurahamu; akafa vaporofitawo vakafa; asi iwe unoti munhu akachengeta shoko rangu haambofa akaona rufu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
VaJudha vakati kwaari, “Tinoziva zvino kuti unemweya wakaipa; Abhurahamu akafa, navaporofitawo; zvino iwe unoti, kana munhu akachengeta shoko rangu, haangatongooni rufu.
Shona 2009?
Naizvozvo vaJudha vakati kwaari: Zvino toziva kuti unomweya wakaipa; Abhurahamu wakafa, navaporofita, zvino iwe unoti: Kana munhu akachengeta shoko rangu, haangatongoraviri rufu.
Shona SUB 2002 Bible
VaJudha vakati kwaari, “Tinoziva zvino kuti unemweya wakaipa; Abhurahamu akafa, navaporofitawo; zvino iwe unoti, kana munhu akachengeta shoko rangu, haangatongooni rufu.