John 8:6 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋakareʋa iɀoɀo, ʋacimuidza, kuti ʋawane caʋaŋgamupomera mhoȿa naco. Asi Jesu wakakotama, akanyora pasi nomunwe.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vakanga vachishandisa mubvunzo uyu kuti vamuteye, vawane hwaro hwokumupa mhosva. Asi Jesu akakotama akatanga kunyora pasi nomunwe wake.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Izvi vakataura vachida kuti vamunzwe kuitira kuti vawane mhosva yokumupa. Jesu akakotama akanyora pasi nomunwe wake.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Vakareva izvozvo, vachimuedza, kuti vawane chavangamupomera mhosva nacho. Asi Jesu akakotama, akanyora pasi nomunwe.
Shona 2009?
Izvozvi vakareva, vachimuidza, kuti vawane chavangamupomera mhosva nacho. Asi Jesu wakakotama, akanyora pasi nomumwe sousina kuvanzwa.
Shona SUB 2002 Bible
Vakareva izvozvo, vachimuedza, kuti vawane chavangamupomera mhosva nacho. Asi Jesu akakotama, akanyora pasi nomunwe.