John 8:7 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino iʋo ʋakati ʋaciramba ʋacimubvunza, akakotoroka, akati kwaʋari: Usineciʋi pakati penyu, ŋgaataŋge kukande‐bge kwaari.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vakati varamba vachimubvunza, akatwasuka akati kwavari, “Kana pane asina chivi pakati penyu, ngaave iye wokutanga kupotsera dombo kwaari.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Pavakaramba vachingomubvunza akati twasu kumira ndokuti kwavari, “Uyo asina chitadzo pakati penyu ngaatange kumukanda dombo.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino ivo vakati vachiramba vachimubvunza, akakotoroka, akati kwavari, “Asina chivi pakati penyu, ngaatange kukanda bwe kwaari.”
Shona 2009?
Zvino ivo vakati vachiramba vachimubvunza, akakotoroka, akati kwavari: Usine chivi pakati penyu, ngaatange kukanda ibwe kwaari.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino ivo vakati vachiramba vachimubvunza, akakotoroka, akati kwavari, “Asina chivi pakati penyu, ngaatange kukanda bwe kwaari.”