John 9:15 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino ʋaFarise ʋakamubvunza ɀe, kuti wakaʋoneswa sei. Akati kwaʋari: Wakaisa ɗope pameso aŋgu, ndikandoshamba, ndikaʋona.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Naizvozvo vaFarisi vakamubvunzawo kuti akasvinudzwa sei. Murume uya akapindura akati, “Aisa dope pameso angu uye ndikandoshamba, zvino ndava kuona.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
VaFarisei vakamubvunzazve kuti aoneswa sei. Iye akavati aisa tudhaka pamaziso angu ndikashamba, zvino ndava kuona.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino vaFarisi vakamubvunzazve, kuti wakaoneswa sei. Akati kwavari, “Akaisa dope pameso pangu, ndikandoshamba, ndikaona.”
Shona 2009?
Ipapo zvekare vaFarisi vakamubvunzavo, kuti wakavonazve sei. Akati kwavari: Waisa dope pameso angu, ndikandoshamba, zvino ndovona.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino VaFarisi vakamubvunzazve, kuti wakaoneswa sei. Akati kwavari, “Akaisa dope pameso pangu, ndikandoshamba, ndikaona.”