John 9:16 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino ʋamŋe ʋaʋaFarise ʋakati: Munhu uyu haazi waMŋari, nokuti haaceŋgeti saɓata. Asi ʋamŋe ʋakati: Ko munhu mutadzi uŋgaita seiko ɀiratidzo ɀakaɗai? Ipapo kupesana kwakamuka pakati paʋo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vamwe vaFarisi vakati, “Munhu uyu haabvi kuna Mwari, nokuti haachengeti Sabata.” Asi vamwe vakati, “Ko, mutadzi angaita zviratidzo zvakadai seiko?” Nokudaro vakabva vapesana.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vamwe vaFarisei vakati, “Munhu uyu haabvi kuna Mwari nokuti haachengeti Sabata.” Vamwewo vakati, “Zvingaitike sei kuti munhu mutadzi aite zviratidzo zvakadai?” Pakabva pamuka nharo pakati pavo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino vamwe vavaFarisi vakati, “Munhu uyu haasi waMwari, nokuti haachengeti Sabata.” Asi vamwe vakati, “Ko munhu mutadzi angaita seiko zviratidzo zvakadai?” Ipapo kupesana kwakamuka pakati pavo.
Shona 2009?
Naizvozvo vamwe vavaFarisi vakati: Munhu uyu haabvi kunaMwari, nokuti haachengeti sabata. Vamwe vakati: Ko munhu uri mutadzi ungaita seiko zvishamiso zvakadai? Kukava nokupesana pakati pavo.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino vamwe vavaFarisi vakati, “Munhu uyu haasi waMwari, nokuti haachengeti Sabata.” Asi vamwe vakati, “Ko munhu mutadzi angaita seiko zviratidzo zvakadai?” Ipapo kupesana kwakamuka pakati pavo.