John 9:17 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino ʋakati ɀe kuɓofu: Iwe unoti kuɗiniko pamsoro pake, ɀaakaȿinudza meso ako? Akati: Muprofita.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Pakupedzisira vakadzokerazve kumunhu uya akaberekwa ari bofu vakati, “Ko, iwe unoti kudini naye, sezvo akasvinudza meso ako.” Murume uya akapindura akati, “Muprofita.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Naizvozvo, vakatizve kubofu riya, “Ko iwe unotii nezvake zvaakusvinudza maziso.” Iye akati, “Munhu uyu muporofita.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino vakatizve kubofu, “Iwe unoti kudiniko pamusoro pake, zvaakasvinudza meso ako?” Akati, “Muporofita.”
Shona 2009?
Vakatizve kubofu: Iwe unoti kudiniko pamusoro pake, sezvo akasvinudza meso ako? Akati: Muporofita.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino vakatizve kubofu, “Iwe unoti kudiniko pamusoro pake, zvaakasvinudza meso ako?” Akati, “Muporofita.”