John 9:25 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo iye akapindura, akati: Kana ari mutadzi ini handiziʋi; ndinoziʋa cinhu cimŋe, kuti ndaiʋa ɓofu, ɀino ndoʋona.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Akapindura akati, “Kana ari mutadzi kana asiri, ini handizvizivi. Ndinoziva chinhu chimwe chete. Ndakanga ndiri bofu asi zvino ndoona!”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Iye akapindura achiti, “Zvokuti mutadzi ini handizvizivi asi chandinoziva chimwechete chokuti ini ndanga ndiri bofu, zvino ndavakuona.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo iye akapindura, akati, “Kana ari mutadzi ini handizivi; ndinoziva chinhu chimwe, kuti ndaiva bofu, zvino ndoona.”
Shona 2009?
Iye akapindura, akati: Kunyange ari mutadzi ini handizivi; chinhu chimwe chandinoziva, kuti ndaiva bofu, zvino ndovona.
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo iye akapindura, akati, “Kana ari mutadzi ini handizivi; ndinoziva chinhu chimwe, kuti ndaiva bofu, zvino ndoona.”