John 9:27 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Akaʋapindura, akati: Ndatokuʋudzai, mukasanzwa. Munoɗa kunzwa ɀe nemhaka yeiko? Nemi munoɗa kuʋa ʋadzidzi ʋake ʋo kanhi?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Akapindura akati, “Ndanguri ndakuudzai, asi hamuna kuteerera. Munodireiko kuzvinzwazve? Munoda kuva vadzidzi vakewo here?”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Iye akavapindura achiti, “Inga ndakutaurirai kare wani, mukaramba kuteerera. Munodirei kuzvinzwa zvakare? Asi mavakudawo kuva vadzidzi vake nhai?”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Akavapindura, akati, “Ndatokuudzai, mukasanzwa. Munoda kunzwazve nemhaka yeiko? Nemi munoda kuva vadzidzi vakewo kanhi?”
Shona 2009?
Akavapindura, \add akati\add*: ndakuvudzai kare, mukasanzwa, munodireiko kunzwa zvekare? Nemwi munoda kuva vadzidzi vakevo kanhi?
Shona SUB 2002 Bible
Akavapindura, akati, “Ndatokuudzai, mukasanzwa. Munoda kunzwazve nemhaka yeiko? Nemi munoda kuva vadzidzi vakewo kanhi?”