John 9:30 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Iye munhu akapindura, akati kwaʋari: Nyambera cinhu ici cinoshamisa, kuti imi hamuziʋi kwaanobva, kunyaŋge akaȿinudza meso aŋgu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Murume uya akapindura akati, “Zvino, izvi zvinoshamisa chose! Hamuzivi kwaanobva, asi iye akasvinudza meso angu.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Munhu uya akavapindura achiti, “Apokaapo, izvi zvinoshamisa izvi, heya hamuzivi kwaanobva asi iye andisvinudza maziso angu?
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Iye munhu akapindura, akati kwavari, “Nyambera chinhu ichi chinoshamisa, kuti imi hamuzivi kwaanobva, kunyange akasvinudza meso angu.
Shona 2009?
Munhu akapindura akati kwavari: Nyambera chinhu ichi chinoshamisa, kuti imwi hamuzivi kwaanobva, kunyange zvakadaro wakasvinudza meso angu.
Shona SUB 2002 Bible
Iye munhu akapindura, akati kwavari, “Nyambera chinhu ichi chinoshamisa, kuti imi hamuzivi kwaanobva, kunyangwe akasvinudza meso angu.