John 9:31 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Tinoziʋa kuti Mŋari haanzwi ʋatadzi; asi kana munhu acishumira Mŋari, aciita kuɗa kwake, unomunzwa iye.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Tinoziva kuti Mwari haanzwi vatadzi. Anonzwa munhu anomutya uye anoita kuda kwake.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Tinoziva kuti Mwari haateeri vatadzi, asi kana munhu ari munamati waMwari, uye achiita kuda kwake, Mwari anomunzwa.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Tinoziva kuti Mwari haanzwi vatadzi; asi kana munhu achishandira Mwari, achiita kuda kwake, anomunzwa iye.
Shona 2009?
Zvino toziva kuti Mwari haanzwi vatadzi; asi kana munhu ari mushumiri waMwari, achiita kuda kwake, unomunzwa iye.
Shona SUB 2002 Bible
Tinoziva kuti Mwari haanzwi vatadzi; asi kana munhu achishandira Mwari, achiita kuda kwake, anomunzwa iye.