John 9:6 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Wakati areʋa iɀoɀo, akapfira mate pasi, akakanya ɗope namate, akazodza ɗope rawo pameso ake,
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Akati ataura izvozvo, akapfira mate pasi, akakanya dope namate, uye akariisa pameso omurume uya.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Paakataura izvi akasvipira pasi, akakanya tudhaka ndokutwuisa pamaziso omunhu uya
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Akati areva izvozvo, akapfira mate pasi, akakanya dope namate, akazodza dope pameso pake,
Shona 2009?
Wakati areva izvozvo, akapfira pasi, akakanya dope namate, akazodza meso ebofu nedope;
Shona SUB 2002 Bible
Akati areva izvozvo, akapfira mate pasi, akakanya dope namate, akazodza dope pameso pake,