John 9:7 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
akati kwaari: Enda undoshamba mudziʋa reSiroami, (ndokuti, kana ɀicishandurwa, Kutumŋa). Ipapo akaenda, akandoshamba, akadzoka aciʋona.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Akati kwaari, “Enda undoshamba mudziva reSiroami” (shoko iri rinoreva kuti Kutumwa). Saka murume uya akaenda akandoshamba, akadzoka ava kuona.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
akamuti, “Chienda undoshamba mudziva reSiroamu” (zvinoreva kutumwa.) Ipapo akaenda akashamba akauya avakuona.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
akati kwaari, “Enda undoshamba mudziva reSiroami,” (ndokuti, kana zvichishandurwa, “Kutumwa.”) Ipapo akaenda, akandoshamba, akadzoka achiona.
Shona 2009?
akati kwaari: Enda \add undo\add*shamba mudziva reSiroami, (ndokuti, kana zvichishandurwa, wakatumwa) Naizvozvo wakaenda akandoshamba, akadzoka achivona.
Shona SUB 2002 Bible
akati kwaari, “Enda undoshamba mudziva reSiroamu,” (ndokuti, kana zvichishandurwa, “Kutumwa.”) Ipapo akaenda, akandoshamba, akadzoka achiona.