John 9:8 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋakaŋga ʋagere naye, naʋaimuʋona kare, kuti ndiye waikumbira, ʋakati: Ko uyu haazi iye waigara acikumbira here?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vavakidzani vake navaya vakanga vambomuona achipemha vakati, “Ko, uyu haasi iye murume uya aisimbogara achipemha here?”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vavakidzani naye navamwe vaimbomuona achipemha vakati, “Uyu haasiri munhu uya here aigara pasi achipemha?”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Vakanga vagere naye, navaimuona kare, kuti ndiye waikumbira, vakati, “Ko uyu haasi iye aigara achikumbira here?”
Shona 2009?
Naizvozvo vavakidzani navaisimbomuvona kuti wakanga ari bofu, vakati: Ko uyu haazi iye waigara achipemha here?
Shona SUB 2002 Bible
Vakanga vagere naye, navaimuona kare, kuti ndiye waikumbira, vakati, “Ko uyu haasi iye aigara achikumbira here?”