Jonah 1:10 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo ʋarume ʋakatya kwaɀo‐kwaɀo, ʋakati kwaari: Cinyiko ici cawaita? Nokuti ʋarume ʋakaŋga ʋaciziʋa kuti unotiza pamberi paJehova, nokuti wakaʋaʋudza.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Izvi zvakavatyisa uye vakabvunza vakati, “Watadzeiko?” (Vaiziva kuti aitiza kubva pamberi paJehovha, nokuti akanga atovaudza kudaro.)
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Varume ivavo vakatya zvikuru kwazvo vakati kwaari, “Ndochii ichochi chawaita,” nokuti varume ivavo vakanga vazviziva kuti akanga achitiza pana TENZI nokuti ndizvo zvaakanga avataurira.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo varume vakatya kwazvo-kwazvo, vakati kwaari, “Chinyiko ichi chawaita?” Nokuti varume vakanga vachiziva kuti anotiza pamberi paJehovha, nokuti akavaudza.
Shona 2009?
Ipapo varume vakatya kwazvo-kwazvo, vakati kwaari, "Chinyiko ichi chawaita?" Nokuti varume vakanga vachiziva kuti anotiza pamberi paJehovha, nokuti akavaudza.
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo varume vakatya kwazvo–kwazvo, vakati kwaari, “Chiiko ichi chawaita?” Nokuti varume vakanga vachiziva kuti anotiza pamberi paJehovha, nokuti akavaudza.