Jonah 1:12 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Iye akati kwaʋari: Ndisimudzei, mundikandire muguŋgwa, ipapo guŋgwa ricakunyararirai; nokuti ndinoziʋa kuti ɗutu iri guru rakakuwirai nokuɗa kwaŋgu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Akapindura achiti, “Ndisimudzei mundikande mugungwa, ipapo richanyarara. Ndinoziva kuti mhosva yangu ndiyo yaita kuti dutu guru iri rikuwirei.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Iye akati kwavari, “Nditorei mundikande mugungwa, gungwa rinobvawo rakudzikamirai nokuti ndinoziva kuti ndini ndakonzera kuti dutu guru remhepo iri rikumukirei.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Iye akati kwavari, “Ndisimudzei, mundikandire mugungwa, ipapo gungwa richakunyararirai; nokuti ndinoziva kuti dutu iri guru rakakuwirai nokuda kwangu.”
Shona 2009?
Iye akati kwavari, "Ndisimudzei, mundikandire mugungwa, ipapo gungwa richakunyararirai; nokuti ndinoziva kuti dutu iri guru rakakuwirai nokuda kwangu."
Shona SUB 2002 Bible
Iye akati kwavari, “Ndisimudzei, mundikandire mugungwa, ipapo gungwa richakunyararirai; nokuti ndinoziva kuti dutu iri guru rakuwirai nokuda kwangu.”