Jonah 1:14 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Naiɀoɀo ʋakaɗana kunaJehova, ʋakati: Tinokunyeŋgeterai, imi Jehova, tinokunyeŋgeterai, kuti tirege kuparara nokuɗa kwoʋupenyu bgomunhu uyu, murege kutisundira mhoȿa yeropa risinemhaka; nokuti imi Jehova makaita seɀamakaɗa henyu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo vakachema kuna Jehovha vakati, “Haiwa Jehovha, tapota musatiuraya nemhaka youpenyu hwomunhu uyu. Musatipa mhosva yokuuraya munhu asina mhaka, nokuti, iyemi Jehovha maita sokuda kwenyu.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Naizvozvo vakachema kuna TENZI vachiti, “Tateterera zvedu TENZI, regai zvenyu kuti tiparare pamusana poupenyu hwomurume uyu musatipe mhaka yokudeura ropa risina mhosva. Inga wani imi, TENZI, maita zvamunoda.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Naizvozvo vakadana kuna Jehovha, vakati, “Tinokunyengeterai, imi Jehovha, tinokunyengeterai, kuti tirege kuparara nokuda kwoupenyu hwomunhu uyu, murege kutisundira mhosva yeropa risina mhaka; nokuti imi Jehovha makaita sezvamakada henyu.”
Shona 2009?
Naizvozvo vakadana kuna Jehovha, vakati, "Tinokunyengeterai, imwi Jehovha, tinokunyengeterai, kuti tirege kuparara nokuda koupenyu hwomunhu uyu, murege kutisundira mhosva yeropa risina mhaka; nokuti imwi Jehovha makaita sezvamakada henyu."
Shona SUB 2002 Bible
Naizvozvo vakadana kuna Jehovha, vakati, “Tinokunyengeterai, imi Jehovha, tinokunyengeterai, kuti tirege kuparara nokuda kwoupenyu hwomunhu uyu, murege kutisundira mhosva yeropa risina mhaka; nokuti imi Jehovha makaita sezvamakada henyu.”