Jonah 1:5 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo ʋafambisi ʋecikepe ʋakatya, mumŋe nomumŋe akaɗana kunamŋari wake, ʋakarashira muguŋgwa nhumbi dzakaŋga dziri mucikepe, kuti ʋacireruse. Asi Jona wakaŋga aɓurukira mukati‐kati mecikepe, akaʋata pasi, ndokuɓatwa nehope caidzo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vafambisi vose vechikepe vakatya uye mumwe nomumwe akachema kuna mwari wake. Vakakanda nhumbi mugungwa kuti chikepe chireruke. Asi Jona akanga aenda pasi mukati muchikepe maakasvikovata uye akakotsira hope huru.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ipapo vafambisi vengarava vakabatwa nokutya, mumwe nomumwe ndokubva anamata kuna mwari wake. Vakakanda mugungwa zvinhu zvavaiva nazvo mungarava macho kuitira kuti ivarerukire. Izvozvo Jona akanga adzika pasi mukatikati chaimo mengarava atorara zvake achitopfodora hope.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo vafambisi vechikepe vakatya, mumwe nomumwe akadana kuna Mwari wake, vakarashira mugungwa nhumbi dzakanga dziri muchikepe, kuti vachireruse. Asi Jona akanga aburukira mukatikati mechikepe, akavata pasi, nokubatwa nehope chaidzo.
Shona 2009?
Ipapo vafambisi vechikepe vakatya, mumwe nomumwe akadana kuna Mwari wake, vakarashira mugungwa nhumbi dzakanga dziri muchikepe, kuti vachireruse. Asi Jona akanga aburukira mukatikati mechikepe, akavata pasi, nokubatwa nehope chaidzo.
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo vafambisi vechikepe vakatya, mumwe nomumwe akadana kuna Mwari wake, vakarashira mugungwa nhumbi dzakanga dziri muchikepe, kuti vachireruse. Asi Jona akanga aburukira mukati–kati mechikepe, akavata pasi, nokubatwa nehope chaidzo.