Jonah 3:5 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋanhu ʋeNineve ʋakatenda Mŋari, ʋakatara ŋguʋa yokuɀinyima ɀokudya, ʋakafuka masaga, kubva kuʋakuru pakati paʋo kuȿikira kuʋaɗuku pakati paʋo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vanhu veNinevhe vakatenda kuna Mwari. Vakatara nguva yokutsanya, uye vose zvavo, kubva kumukuru mukuru kusvikira kumuduku duku vakapfeka masaga.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vanhu veNinivhe vakatenda muna Mwari, kukadaidzirwa shoko rokuti vanhu ngavatsanye vapfeke masaga kubvira kuvakuruvakuru kusvikira kuvadikidiki.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Vanhu veNinivhe vakatenda Mwari, vakatara nguva yokuzvinyima zvokudya, vakafuka masaga, kubva kuvakuru pakati pavo kusvikira kuvaduku pakati pavo.
Shona 2009?
Vanhu veNinivhe vakatenda Mwari, vakatara nguva yokutsanya, vakafuka masaga, kubva kuvakuru pakati pavo kusvikira kuvaduku pakati pavo.
Shona SUB 2002 Bible
Vanhu veNinivha vakatenda Mwari, vakatara nguva yokuzvinyima zvokudya, vakafuka masaga, kubva kuvakuru pakati pavo kusvikira kuvaduku pakati pavo.