Jonah 3:7 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Akaraira, akaparidza muNineve rose cireʋo camambo necaʋakuru ʋake, aciti: Ʋanhu kana ɀipfuwo, kana ŋombe kana makwai, ŋgaɀirege kutoŋgoraʋira cinhu, ŋgaɀirege kufura kana kunwa mvura;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo akazivisa chirevo muNinevhe, achiti, “Chirevo chamambo namachinda ake: Musarega munhu kana mhuka, chipfuwo kana gwai, zvichiravira chinhu; musazvirega zvichidya kana kunwa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Akabva adaidzira chirevo akachizivisa vanhu muNinivhe yose chokuti, “Nechirevo ichi chatemwa namambo pamwechete novokumba huru; ngaparege kuva nomunhu kana mhuka zvayo kunyange mombe kana chimwe chipfuwo zvacho chinoisa chinhu mukanwa, ngazvirege kana kunwa mvura.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Akaraira, akaparidza muNinivhe rose chirevo chamambo nechavakuru vake achiti, “Vanhu kana zvipfuwo, kana mombe kana makwai, ngazvirege kutongoravira chinhu, ngazvirege kufura kana kunwa mvura;
Shona 2009?
Akaraira, akaparidza muNinivhe rose chirevo chamambo nechavakuru vake achiti, "Vanhu kana zvipfuwo, kana mombe kana makwai, ngazvirege kutongoravira chinhu, ngazvirege kufura kana kumwa mvura;
Shona SUB 2002 Bible
Akaraira, akaparidza muNinivha rose chirevo chamambo nechavakuru vake achiti, “Vanhu kana zvipfuwo, kana mombe kana makwai, ngazvirege kutongoravira chinhu, ngazvirege kufura kana kunwa mvura;