Jonah 4:8 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino zuʋa rakati riciɓuɗa, Mŋari akaraira mhepo inopisa inobva mabvazuʋa; zuʋa rikaɓaya musoro waJona, akaziya, akakumbira kuti afe hake, akati: Ɀirinani kwandiri kuti ndife pakuti ndirarame.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zuva rakati richibuda, Mwari akatuma mhepo yokumabvazuva yaipisa kwazvo, uye zuva rikabaya pamusoro paJona zvokuti akaziya. Akademba kufa, uye akati, “Zvingava nani kuti ndife zvangu pano kurarama.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Zuva parakabuda, Mwari akatuma mhepo inopisa inobva kumabvazuva, zuvawo rikatumhisa musoro waJona zvokuti akafizuka, akakumbira kuti afe zvake achiti, “Zviri nani kuti ndife zvangu pano kuti ndirarame.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino zuva rakati richibuda, Mwari akaraira mhepo inopisa inobva mabvazuva; zuva rikabaya musoro waJona, akaziya, akakumbira kuti afe hake, akati, “Zviri nani kwandiri kuti ndife pakuti ndirarame.”
Shona 2009?
Zvino zuva rakati richibuda, Mwari akaraira mhepo inopisa inobva mabvazuva; zuva rikabaya musoro waJona, akaziya, akakumbira kuti afe hake, akati, "Zviri nani kwandiri kuti ndife pakuti ndirarame."
Shona SUB 2002 Bible
Zvino zuva rakati richibuda, Mwari akaraira mhepo inopisa inobva mabvazuva; zuva rikabaya musoro waJona, akaziya, akakumbira kuti afe hake, akati, “Zviri nani kwandiri kuti ndife pakuti ndirarame.”