Joshua 1:15 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
kuȿikira Jehova apa hama dzenyu zororo semi, nenyika yaʋanopiwa naJehova Mŋari wenyu iʋe yaʋo; ipapo muŋgadzokera kunyika yenyu, yamakapiwa naMosesi, muranda waJehova, iri necoʋuno mhiri kwaJoridani kumabvazuʋa, kuti iʋe yenyu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
kusvikira Jehovha avapa zororo, sezvaakakuitirai, uye kusvikira vatorawo nyika yavari kupiwa naJehovha Mwari wavo. Mushure maizvozvo, munogona kudzokera munogara munyika yenyu, yamakapiwa naMozisi muranda waJehovha iri kumabvazuva kweJorodhani.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
kudzamara Tenzi apawo hama dzenyu pokugara, sezvaakakuitiraiwo imi, vandotorawo nyika yavari kupiwa naTenzi Mwari wenyu. Ndopamungazodzokawo zvenyu mogara munyika yenhaka yenyu yamakapiwa naMosesi muranda waTenzi, kumhiri kwaJorodhani kunobuda nezuva moiita yenyu.’ ”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
kusvikira Jehovha apa hama dzenyu zororo semi, nenyika yavanopiwa naJehovha Mwari wenyu ive yavo; ipapo mungadzokera kunyika yenyu, yamakapiwa naMosesi, muranda waJehovha, iri nechouno mhiri kwaJorodhani kumabvazuva, kuti ive yenyu.”
Shona 2009?
kusvikira Jehovha apa hama dzenyu zororo semi, nenyika yavanopiwa naJehovha Mwari wenyu ive yavo; ipapo mungadzokera kunyika yenyu, yamakapiwa naMozisi, muranda waJehovha, iri nechouno mhiri kwaJorodhani kumabvazuva, kuti ive yenyu."
Shona SUB 2002 Bible
kusvikira Jehovha apa hama dzenyu zororo semi, nenyika yavanopiwa naJehovha Mwari wenyu ive yavo; ipapo mungadzokera kunyika yenyu, yamakapiwa naMosesi, muranda waJehovha, iri nechouno mhiri kwaJodhani kumabvazuva, kuti ive yenyu.”