Joshua 1:6 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Simba, utsuŋge mŋoyo, nokuti ucagarisa ʋanhu aʋa nhaka yandakapikira madziɓaɓa aʋo, kuti ndicaʋapa iyo, iʋe yaʋo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Simba utsunge mwoyo, nokuti uchatungamirira vanhu ava kuti vatore nyika yandakapikira madzitateguru avo kuti ndivape senhaka yavo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Shinga, utsunge mwoyo nokuti ndiwe uchaita kuti vanhu ava vagare nhaka yenyika yandakatsidza kumadzibaba avo kuvapa.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Simba, utsunge mwoyo, nokuti uchagarisa vanhu ava nhaka yandakapikira madzibaba avo, kuti ndichavapa iyo, ive yavo.
Shona 2009?
Simba, utsunge moyo, nokuti uchagarisa vanhu ava nhaka yandakapikira madzibaba avo, kuti ndichavapa iyo, ive yavo.
Shona SUB 2002 Bible
Simba, utsunge mwoyo, nokuti uchagarisa vanhu ava nhaka yandakapikira madzibaba avo, kuti ndichavapa iyo, ive yavo.