Joshua 1:8 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Buku iyi yomurairo haifaniri kubva pamuromo wako, asi unofanira kuiraŋgarira masikati noʋusiku, kuti ucenjere kuita ɀose ɀakanyorwa’mo; nokuti nokuɗaro ucaɀiwanira mufaro panzira yako nokuɓata nokucenjera.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Bhuku iri romurayiro harifaniri kubva pamuromo wako; fungisisa pamusoro paro usiku namasikati, kuti uchenjerere kuita zvose zvakanyorwa mariri uye ipapo uchabudirira kwazvo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Bhuku romutemo iri ngarirege zvaro kumbobva pamuromo pako, ufungisise zviri mariri siku nesikati, kuti unyatsoita maererano nezvose zvakanyorwamo, ndopazvichakufambira zvakanaka ugonyatsobudirirawo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Bhuku iyi yomurayiro haifaniri kubva pamuromo wako, asi unofanira kuirangarira masikati nousiku, kuti uchenjere kuita zvose zvakanyorwamo; nokuti nokudaro uchazviwanira mufaro panzira yako nokubata nokuchenjera.
Shona 2009?
Bhuku iyi yomurayiro haifaniri kubva pamuromo wako, asi unofanira kuirangarira masikati nousiku, kuti uchenjere kuita zvose zvakanyorwamo, nokuti nokudaro uchazviwanira mufaro panzira yako nokubata nokuchenjera.
Shona SUB 2002 Bible
Bhuku iyi roMurairo harifaniri kubva pamuromo wako, asi unofanira kurirangarira masikati nousiku, kuti uchenjere kuita zvose zvakanyorwamo; nokuti nokudaro uchazviwanira mufaro panzira yako nokubata nokuchenjera.