Joshua 1:9 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ko handina‐kukuraira here? Simba, utsuŋge mŋoyo; usatya kana kuvunduswa, nokuti Jehova Mŋari wako unewe kwose kwaunoenda.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Handina kukurayira here? Simba utsunge mwoyo. Usavhunduka; usaora mwoyo, nokuti Jehovha Mwari wako achava newe kwose kwaunoenda.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Handiti ndakuudza kuti shinga utsunge mwoyo. Usambotya zvako, kana kuzeza nokuti Tenzi, Mwari wako achava newe kwose kwauchaenda.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ko handina kukuraira here? Simba, utsunge mwoyo; usatya kana kuvhunduswa, nokuti Jehovha Mwari wako unewe kwose kwaunoenda.”
Shona 2009?
Ko handina kukuraira here? Simba, utsunge moyo; usatya kana kuvhunduswa, nokuti Jehovha Mwari wako unewe kose kwaunoenda."
Shona SUB 2002 Bible
Ko handina kukuraira here? Simba, utsunge mwoyo; usatya kana kuvhunduswa, nokuti Jehovha Mwari wako unewe kwose kwaunoenda.”