Joshua 10:1 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino Adoni‐zedeki, mambo weJerusarema, wakati acinzwa kuti Joshua wakakunda Ai, akariparadza cose, ʋuye kuti wakaitira Ai namambo waro seɀaakaitira Jeriko namambo waro, ʋuye kuti ʋanhu ʋeGibeoni ʋakaŋga ʋayanana naʋaIsraeri, ʋakagara pakati paʋo;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvino Adhoni-Zedheki mambo weJerusarema akanzwa kuti Joshua akanga atora Ai akariparadza zvachose, akaitira Ai namambo waro sezvaakanga aitira Jeriko namambo wayo, uye kuti vanhu veGibheoni vakanga vaita sungano yorugare navaIsraeri uye kuti vaigara pedyo navo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Adhonizedheki mambo weJerusaremu akanzwawo kuti Joshuwa akatora guta reAi rikava mumaoko ake, uye kuti akanga anyatsoriparadza achinzwawo kuti Joshuwa akaita kuguta reAi namambo waro zvaakanga aita kuguta reJeriko namambo waro. Akanzwawo kuti vanhu vokuGibheoni vakanga vava kutowirirana zvavo navaIsiraeri uye kuti vava kutogarisana navo savavakidzani.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Adhoni‐zedheki, mambo weJerusaremu, wakati achinzwa kuti Joshua wakakunda Ai, akariparadza chose, uye kuti wakaitira Ai namambo waro sezvaakaitira Jeriko namambo waro, uye kuti vanhu veGibheoni vakanga vayanana navaIsiraeri, vakagara pakati pavo;
Shona 2009?
Zvino Adhoni-zedheki, mambo weJerusaremu, wakati achinzwa kuti Joshua wakakunda Ai, akariparadza chose, uye kuti wakaitira Ai namambo waro sezvaakaitira Jeriko namambo waro, uye kuti vanhu veGibhiyoni vakanga vayanana navaIsiraeri, vakagara pakati pavo;
Shona SUB 2002 Bible
Zvino Adhoni–zedheki, mambo weJerusaremu, wakati achinzwa kuti Joshua wakakunda Ai, akariparadza chose, uye kuti wakaitira Ai namambo waro sezvaakaitira Jeriko namambo waro, uye kuti vanhu veGibheoni vakanga vayanana naVaIsiraeri, vakagara pakati pavo;