Joshua 10:30 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Jehova akariisa ʋo namambo waro mumaʋoko aIsraeri; akariparadza neminondo inopinza, naʋanhu ʋose ʋakaŋga ʋari’mo; haana‐kusiya’mo kunyaŋge nomumŋe; akaitira mambo waro seɀaakaitira mambo weJeriko.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Jehovha akapawo guta iroro namambo waro muruoko rwaIsraeri. Joshua akaparadza guta navose vaiva mariri nomunondo. Hapana waakasiya ari mupenyu. Akaita kuna mambo waro zvaakanga aita kuna mambo weJeriko.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Tenzi akaisawo guta iroro namambo waro mumaoko avaIsiraeri. Vakauraya vanhu vaivamo vose zvavo namapakatwa. Hapana kana munhu mumwechete wavakasiyamo. Vakaita kuna mambo waro sezvavakanga vaita kuna mambo weJeriko.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Jehovha akariisawo namambo waro mumaoko aIsiraeri; akariparadza neminondo inopinza, navanhu vose vakanga varimo; haana kusiyamo kunyange nomumwe; akaitira mambo waro sezvaakaitira mambo weJeriko.
Shona 2009?
Jehovha akariisawo namambo waro mumaoko alsiraeri; akariparadza neminondo inopinza, navanhu vose vakanga varimo; haana kusiyamo kunyange nomumwe; akaitira mambo waro sezvaakaitira mambo weJeriko.
Shona SUB 2002 Bible
Jehovha akariisawo namambo waro mumaoko aIsiraeri; akariparadza neminondo inopinza, navanhu vose vakanga varimo; haana kusiyamo kunyangwe nomumwe; akaitira mambo waro sezvaakaitira mambo weJeriko.