Joshua 10:33 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino Horami, mambo weGezeri, wakakwira kuzoɓatsira Rakishi; Joshua akamuʋuraya naʋanhu ʋake, kuȿikira asina‐kumusiyira kunyaŋge nomunhu mumŋe.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo Horamu mambo weGezeri akauya kuzobatsira Rakishi, asi Joshua akamukunda pamwe chete nehondo yake, kusvikira pasisina mupenyu akasara.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Horamu mambo weguta reGezeru akauya kuzobatsira vokuRakishi. Joshuwa akamuuraya, iye navanhu vake, kusara pasisina asara.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Horamu, mambo weGezeri, wakakwira kuzobatsira Rakishi; Joshua akamuuraya navanhu vake, kusvikira asina kumusiyira kunyange nomunhu mumwe.
Shona 2009?
Zvino Horamu, mambo weGezeri, wakakwira kuzobatsira Rakishi; Joshua akamuuraya navanhu vake, kusvikira asina kumusiyira kunyange nomunhu mumwe.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino Horamu, mambo weGezeru, wakakwira kuzobatsira Rakishi; Joshua akamuuraya navanhu vake, kusvikira asina kumusiyira kunyangwe nomunhu mumwe.