Joshua 10:39 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
akarikunda, namambo waro, namaguta aro ose; ʋakaʋaʋuraya neminondo inopinza, nokuparadza cose ʋanhu ʋose ʋakaŋga ʋari’mo; haana‐kusiya kunyaŋge nomumŋe; seɀaakaitira Hebroni, ndiɀo ɀaakaitira Debiri ʋo, namambo waro; seɀaakaitira ʋo Ribna namambo waro.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vakatora guta, namambo waro nemisha yaro, vakazviparadza nomunondo. Vakaparadza zvachose vose vaivamo. Hapana wavakasiya ari mupenyu. Vakaita kuDhebhiri nokuna mambo waro sezvavakanga vaita kuRibhina nokuna mambo waro uye nokuHebhuroni.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vakaritora rikava mumaoko avo, iro namambo waro nemisha yaro yose. Vakauraya namapakatwa vanhu vaivamo vakanyatsouraya vanhu vose vaivamo. Hapana wavakasiyamo. Zvavakaita kuguta reHebhuroni namambo waro ndozvavakaitawo guta reDhebhiri namambo waro.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
akarikunda, namambo waro, namaguta aro ose; vakavauraya neminondo inopinza, nokuparadza chose vanhu vose vakanga varimo; haana kusiya kunyange nomumwe; sezvaakaitira Hebhuroni, ndizvo zvaakaitira Dhebhiriwo, namambo waro; sezvaakaitirawo Ribhina namambo waro.
Shona 2009?
akarikunda, namambo waro, namaguta aro ose; vakavauraya neminondo inopinza, nokuparadza chose vanhu vose vakanga varimo; haana kusiya kunyange nomumwe; sezvaakaitira Hebhuroni, ndizvo zvaakaitira Dhebhiriwo, namambo waro; sezvaakaitirawo Ribhina namambo waro.
Shona SUB 2002 Bible
akarikunda, namambo waro, namaguta aro ose; vakavauraya neminondo inopinza, nokuparadza chose vanhu vose vakanga varimo; haana kusiya kunyangwe nomumwe; sezvaakaitira Hebhuroni, ndizvo zvaakaitira Dhebhiriwo, namambo waro; sezvaakaitirawo Ribhina namambo waro.