Joshua 10:40 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Saiɀoɀo Joshua wakaparadza nyika yose, nyika yamakomo neyenyasi, neyamapani, neyemitenusirwa, namadzimambo adzo ose, haana‐kusiya kunyaŋge nomumŋe; asi wakaparadza ɀose ɀipenyu, seɀakaraira Jehova Mŋari waIsraeri.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Naizvozvo Joshua akaparadza nharaunda yose, zvichisanganisira nyika yamakomo, neNegevhi, neyemujinga mezvikomo zvokumavirira nemitenusirwa yamakomo pamwe chete namadzimambo acho ose. Hapana waakasiya ari mupenyu. Akaparadza zvachose vose vaifema, sezvakanga zvarayirwa naJehovha, Mwari waIsraeri.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Saka Joshuwa akakurira nyika yose zvayo inoti: nyika yamakomo neNegevhu nenyika yokumanhika namateru ayo. Akakurirawo madzimambo ose enyika idzodzo. Hapana kana munhu mumwechete zvake waakasiya, asi akatouraya vose zvokusambosiya kana chinhu chipenyu zvacho, sokureva kwakaita Tenzi Mwari wavaIsiraeri.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Saizvozvo Joshua wakaparadza nyika yose, nyika yamakomo neyenyasi, neyamapani, neyemitenusirwa, namadzimambo adzo ose, haana kusiya kunyange nomumwe; asi wakaparadza zvose zvipenyu, sezvakaraira Jehovha Mwari waIsiraeri.
Shona 2009?
Saizvozvo Joshua wakaparadza nyika yose, nyika yamakomo neyenyasi, neyamapani, neyemitenusirwa, namadzimambo adzo ose, haana kusiya kunyange nomumwe; asi wakaparadza zvose zvipenyu, sezvakaraira Jehovha Mwari waIsiraeri.
Shona SUB 2002 Bible
Saizvozvo Joshua wakaparadza nyika yose, nyika yamakomo neyenyasi, neyamapani, neyemitenusirwa, namadzimambo adzo ose, haana kusiya kunyangwe nomumwe; asi wakaparadza zvose zvipenyu, sezvakaraira Jehovha Mwari waIsiraeri.