Joshua 10:6 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo ʋarume ʋeGibeoni ʋakatuma nhume kunaJoshua kumisasa yakaŋga iri paGirgari, ʋakati: Musaregerera henyu ʋaranda ʋenyu; kurumidzai mukwire kwatiri, mutirwire nokutiɓatsira, nokuti madzimambo ose aʋaAmori ʋagere munyika yamakomo ʋakatiʋuŋganira kuzorwa nesu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvino vaGibheoni vakatuma nhume kuna Joshua kumusasa waiva paGirigari, vachiti, “Musasiya henyu varanda venyu. Uyai kuno kwatiri nokukurumidza muzotiponesa! Tibatsirei, nokuti madzimambo ose avaAmori vanogara munyika yamakomo vaungana kuti vatirwise.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vanhu vokuGibheoni vakatuma nhume kuna Joshuwa kuGirigari kwavakanga vakadzika matendhe vachiti, “Matiregerera kuno isu varanda venyu. Uyai kuno nokukurumidza muzotinunura, mutibatsirewo nokuti madzimambo ose avaAmori vanogara munyika yamakomo vakokorodzana kuzotirwisa.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo varume veGibheoni vakatuma nhume kuna Joshua kumisasa yakanga iri paGirigari, vakati, “Musaregerera henyu varanda venyu; kurumidzai mukwire kwatiri, mutirwire nokutibatsira, nokuti madzimambo ose avaAmori vagere munyika yamakomo vakatiunganira kuzorwa nesu.”
Shona 2009?
Ipapo varume veGibhiyoni vakatuma nhume kuna Joshua kumisasa yakanga iri paGirigari, vakati, "Musaregerera henyu varanda venyu; kurumidzai mukwire kwatiri, mutirwire nokutibatsira, nokuti madzimambo ose avaAmori vagere munyika yamakomo vakatiunganira kuzorwa nesu."
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo varume veGibheoni vakatuma nhume kuna Joshua kumisasa yakanga iri paGirigari, vakati, “Musaregerera henyu varanda venyu; kurumidzai mukwire kwatiri, mutirwire nokutibatsira, nokuti madzimambo ose aVaAmori vagere munyika yamakomo vakatiunganira kuzorwa nesu.”