Joshua 11:11 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋakaʋuraya ʋanhu ʋose ʋakaŋga ʋari’mo neminondo inopinza, ʋakaʋaparadza cose; hakunecinhu cimŋe cinofema cakasara; ʋakapisa Hazori nomŋoto.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vakauraya nomunondo munhu wose aivamo. Vakavaparadza zvachose, vakasasiya chipi nechipi chaifema, uye akapisa Hazori pacharo nomoto.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Akauraya namapakatwa vanhu vose vaiva muguta imomo zvokuuraya zviya munhu wose. Hapana kana chinofema chaakasiya. Akapisa nomoto guta irori reHazori.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Vakauraya vanhu vose vakanga varimo neminondo inopinza, vakavaparadza chose; hakuna chinhu chimwe chinofema chakasara; vakapisa Hazori nomoto.
Shona 2009?
Vakauraya vanhu vose vakanga varimo neminondo inopinza, vakavaparadza chose; hakuna chinhu chimwe chinofema chakasara; vakapisa Hazori nomoto.
Shona SUB 2002 Bible
Vakauraya vanhu vose vakanga varimo neminondo inopinza, vakavaparadza chose; hakuna chinhu chimwe chinofema chakasara; vakapisa Hazoru nomoto.